42 Ishe akapindura akati, “Ndoupiko mutariri akachenjera, uye akatendeka, anoiswa natenzi wake kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?
43 Zvichava zvakanaka kumuranda uyo achawanikwa natenzi wake achiita izvozvo paanodzoka.
44 Ndinokuudzai chokwadi, kuti, achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.
45 Asi ngatimbotii muranda oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ ipapo obva atanga kurova varandarume navarandakadzi, agotanga kudya nokunwa uye agodhakwa.
46 Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye nenguva yaasingazivi. Achamubvamburabvambura, agomuisa panzvimbo yavasingatendi.
47 “Muranda uyo anoziva kuda kwatenzi wake uye asingagadziriri kana kuita zvinodiwa natenzi wake acharohwa shamhu zhinji.
48 Asi munhu akanga asingazivi uye akaita zvinhu zvakafanira kurohwa, acharohwa shamhu shoma. Ani naani akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; uye kuno uya akapiwa zvizhinji, zvizhinji kwazvo zvicharehwawo kubva kwaari.