38 Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”
39 Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!”
40 Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.
41 Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?
42 Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti:“ ‘Ishe akati kuna She wangu:Gara kuruoko rwangu rworudyi
43 kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’
44 Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”