13 Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.
14 Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei.
15 Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.
16 Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanun'una, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
17 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.
18 Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.
19 Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.