62 Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
63 Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka nokumurova.
64 Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”
65 uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.
66 Kuzoti kwaedza dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, uye Jesu akamiswa pamberi pavo.
67 Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.”Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,
68 uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.