52 Asvika kuna Pirato, akakumbira mutumbi waJesu.
53 Ipapo akauburutsa, akauputira nomucheka akauisa muguva rakanga racherwa paruware, rakanga risina kumbovigwa munhu.
54 Rakanga riri zuva rokugadzirira, uye Sabata rakanga rava kuda kutanga.
55 Vakadzi vaya vakanga vauya naJesu vachibva kuGarirea vakatevera Josefa vakaona guva uye kuti mutumbi wake wakanga waradzikwa sei mariri.
56 Ipapo vakaenda kumba vakandogadzira zvinonhuwira namafuta anonhuwira. Asi vakazorora nomusi weSabata vachiteerera murayiro.