2 Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva,
3 asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu.
4 Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo.
5 Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotama pasi nezviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa?
6 Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti:
7 ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ”
8 Ipapo vakarangarira mashoko ake.