4 Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.”
5 Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu usvasvi.”
6 Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye utava hwavo hukatanga kubvaruka.
7 Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune imwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura.
8 Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!”
9 Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata,
10 uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo.Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.”