11 Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, uye vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye.
12 Kuzoti ave kuswedera pasuwo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo.
13 Ishe akati achimuona, mwoyo wake wakamunzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.”
14 Ipapo akaswederako akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Iye akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!”
15 Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake.
16 Vose vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari. Vakati, “Muprofita mukuru amuka pakati pedu. Mwari auya kuzobatsira vanhu vake.”
17 Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza.