42 Hakuna akanga ane mari yokuripa chikwereti pavari vose vari vaviri, saka nyakukweretesa akadzima zvikwereti zvavo vose. Zvino ndoupiko pauviri hwavo achanyanya kumuda?”
43 Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.”Jesu akati, “Wataura zvakanaka.”
44 Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake.
45 Iwe hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu, kubvira panguva yandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu.
46 Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuwira patsoka dzangu.
47 Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.”
48 Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvivi zvako zvaregererwa.”