43 Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari.Munhu wose paakanga achakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,
44 “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.”
45 Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.
46 Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani.
47 Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake.
48 Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”
49 Johani akati, “Tenzi, takaona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.”