4 Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni,
5 akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
6 Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa muchadenga muna Kristu Jesu,
7 kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu.
8 Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,
9 kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.
10 Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.