13 kudzamara isu tose tasvika pahumwe hwokutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu.
14 Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo.
15 Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu.
16 Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo.
17 Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo.
18 Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo.
19 Vasisina hanya, vakasvika kuutera kuitira kuti vagoita mabasa ose etsvina, nokuchiva zvakawanda.