2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu.
3 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.
4 Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro
5 nokuda kwokunzwanana kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino,
6 ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
7 Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari.
8 Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu.