13 Hama, handioni kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichinanavira zviri mberi,
14 ndinoshingairira kunharidzano kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.
15 Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri.
16 Ngatiraramei bedzi nezvatakawana.
17 Batanai navamwe mukutevera muenzaniso wangu, hama, uye mucherechedze avo vanorarama zviri maererano netsika dzatakakudzidzisai.
18 Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu.
19 Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika.