2 Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vokucheka nyama.
3 Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama,
4 kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro.Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda:
5 ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi;
6 kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kururama kwomurayiro, handina mhosva.
7 Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu.
8 Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu.