11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;zvichasakara zvose senguo.
12 Muchazvipeta sejasi;senguo zvichashandurwa.Asi imi munoramba makadaro,uye makore enyu haatongogumi.”
13 Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari:“Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako”?
14 Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?