Vahebheru 1 BDMCS

Kristu mukuru kuVatumwa

1 Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,

2 asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.

3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.

4 Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.

5 Nokuti ndoupi pakati pavatumwa,Mwari waakamboti kwaari:“Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?”kana kutizve,“Ndichava Baba vake,naiye achava Mwanakomana wangu?”

6 Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”

7 Achitaura pamusoro pavatumwa anoti:“Anoita vatumwa vake mhepo,varanda vake mirazvo yomoto.”

8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti:“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri,uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.

9 Makada kururama uye mukavenga kusarurama;naizvozvo Mwari, Mwari wenyu,akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”

10 Anotizve:“Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika,uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.

11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;zvichasakara zvose senguo.

12 Muchazvipeta sejasi;senguo zvichashandurwa.Asi imi munoramba makadaro,uye makore enyu haatongogumi.”

13 Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari:“Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako”?

14 Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?

Zvitsauko

1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13