10 Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.
11 Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi.
12 Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari.
13 Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake,
14 nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.
15 Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti:
16 “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo,ndizvo zvinotaura Ishe.Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo,uye ndichainyora mundangariro dzavo.”