13 Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake,
14 nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.
15 Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti:
16 “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo,ndizvo zvinotaura Ishe.Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo,uye ndichainyora mundangariro dzavo.”
17 Ipapo anotizve:“Zvivi zvavo nokudarika kwavohandichatongozvirangaririzve.”
18 Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.
19 Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu,