2 Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi.
3 Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa.
4 Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.
5 Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati:“Handingatongokusiyei;handingatongokurasei.”
6 Saka tinotsunga mwoyo, tichiti:“Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi.Munhu angandiiteiko?”
7 Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu uye mugotevera kutenda kwavo.
8 Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi.