5 Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.”
6 Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga?’ ” (ndiko kuburutsa Kristu)
7 “kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ ” (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).
8 Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza:
9 Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.
10 Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoshayirwa mhosva, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.
11 Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”