18 Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
19 Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.
20 Asi:“Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya,kane ane nyota mupe chokunwa.Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.”
21 Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.