8 Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She.
9 Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu.
10 Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu.Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi.
11 Kwazisai Herodhioni, hama yangu.Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She.
12 Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She.Kwazisai mudikani wangu wapamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She.
13 Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo.
14 Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo.