19 Kana uchiti uri mutungamiri wamapofu, chiedza chaavo vari murima,
20 murairidzi wamapenzi, mudzidzisi wavacheche, nokuti zvauine, mumurayiro, mufananidzo woruzivo nechokwadi,
21 zvino iwe, unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisiwo here? Iwe unoparidza kuti vanhu vasaba, unoba here?
22 Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here?
23 Iwe unozvirumbidza pamusoro pomurayiro, unoshora Mwari nokudarika murayiro here?
24 Nokuti, sezvazvakanyorwa: “Zita raMwari rinomhurwa pakati pavaHedheni nokuda kwenyu.”
25 Kudzingiswa kunokosha kana uchichengeta murayiro, asi kana uchidarika murayiro, wakangoita sousina kudzingiswa.