6 Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko?
7 Mumwe anogona kuti, “zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?”
8 Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.
9 Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva vaJudha navaHedheni yokuva pasi pechivi.
10 Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;
11 hakuna anonzwisisa,hakuna anotsvaka Mwari.
12 Vose vakatsauka,vose pamwe chete vakava vasina maturo;hapana kana mumwe anoita zvakanaka,kana mumwe zvake.”