21 Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi?
22 Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa?
23 Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya,
24 kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kuvaHedheniwo?
25 Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti,“Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu;uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu.”
26 uye,Zvichaitika kuti paya painzi kwavari,“Hamuzi vanhu vangu;vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ”
27 Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti,“Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa,vakasara chete ndivo vachaponeswa.