5 Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti:“Imi makarurama mukutonga uku,imi muripo uye makanga muripo,Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo;
6 nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita,uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.”
7 Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti:“Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Osekutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.”
8 Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, uye zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto.
9 Vakapiswa nokupisa kukuru uye vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze.
10 Mutumwa wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara, uye umambo hwacho hukakandwa murima. Vanhu vakatsenga rurimi mukurwadziwa
11 uye vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita.