1 Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera.
2 Uye ndakaona chaitaridzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho uye nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari
3 uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti:“Mabasa enyu makuru uye anoshamisa,Ishe Mwari Wamasimba Ose.Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi,imi Mambo wamakore.
4 Ndianiko angarega kukutyai,imi Ishe, nokupa mbiri kuzita renyu?Nokuti ndimi moga mutsvene.Ndudzi dzose dzichauya dzigonamata pamberi penyu,nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.”
5 Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka.
6 Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanire egoridhe pazvipfuva zvavo.
7 Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri.
8 Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.