3 Wakatsungirira uye ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta.
4 Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga.
5 Rangarira pawakawa! Tendeuka uye uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho.
6 Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.
7 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.
8 “Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti:Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga noWokupedzisira, akafa uye akararamazve.
9 Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani.