19 Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi;
20 yeshanu yesadhoni, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yokrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti.
21 Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera.
22 Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro.
23 Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro.
24 Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro.
25 Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazovi nousiku ikoko.