5 Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso,kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri,
6 kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri,
7 kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri,
8 kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.
9 Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo.
10 Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti:“Ruponeso ndorwaMwari wedu,iye anogara pachigaro choushe,uye ndorweGwayana.”
11 Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari,