13 Panguva iyoyo mumwe muprofita akauya kuna Ahabhu mambo weIsraeri, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Uri kuona hondo huru huru iyi here? Ndichaiisa muruoko rwako nhasi, ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
14 Ahabhu akabvunza akati, “Asi ndiani achaita izvi?”Muprofita akapindura akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Majaya amachinda omumatunhu ndiwo achazviita.’ ”Akabvunza akati, “Zvino ndiani achatanga hondo yacho?”Muprofita akapindura akati, “Ndiwe uchaitanga.”
15 Saka Ahabhu akaunganidza majaya amachinda omumatunhu, varume vaikwana mazana maviri namakumi matatu navaviri. Mushure akaunganidza vamwe vaIsraeri, pamwe chete zviuru zvinomwe.
16 Vakasimuka masikati, Bheni-hadhadhi namadzimambo makumi matatu navaviri vaiva kudivi rake panguva yavakanga vari mumisasa yavo vachidhakwa.
17 Majaya amachinda omumatunhu ndiwo akatanga kuenda.Zvino Bheni-hadhadhi akanga atuma vashori uye vakamuudza kuti, “Kune mauto ari kubva kuSamaria.”
18 Akati, “Kana vauya kuzotsvaga rugare, vabatei vari vapenyu; kana vauya kuzorwa, vabatei vari vapenyu.”
19 Majaya amachinda omumatunhu akafamba achibuda muguta varwi vari mumashure mavo