1 Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.
2 Ava ndivo vaiva machinda ake:Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista;
3 Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;
4 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto;Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;
5 Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri;Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;