3 Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;
4 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto;Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;
5 Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri;Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;
6 Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo;Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo.
7 Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore.
8 Mazita avo aiti:Bhenihuri, munyika yamakomo yaEfuremu;
9 Bhenidhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani;