8 Mazita avo aiti:Bhenihuri, munyika yamakomo yaEfuremu;
9 Bhenidhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani;
10 Bhenihesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake).
11 Bheniabhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni);
12 Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami;
13 Bheni-gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira);
14 Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi;