12 Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amuvimbisa. Pakati paHiramu naSoromoni pakava norugare, uye vaviri ava vakanyorerana chibvumirano.
13 Mambo Soromoni akaunganidza vanhu vechibharo muIsraeri yose, vanhu zviuru makumi matatu.
14 Akavatumira kuRebhanoni, zviuru gumi pamwedzi, zvokuti vaipedza mwedzi mumwe chete vari kuRebhanoni nemwedzi miviri vari kumusha. Adhoniramu ndiye aiva mukuru wechibharo.
15 Soromoni aiva navatakuri vezvinhu zviuru makumi manomwe uye vavezi vamatombo zviuru makumi masere mumakomo,
16 pamwe chete navatariri vebasa zviuru zvitatu namazana matatu vaitungamirira basa nokuudza vashandi zvokuita.
17 Mambo akarayira vakaputsa matombo makuru kwazvo, anokosha, kuti vavake hwaro hwetemberi namatombo akavezwa.
18 Vavaki vaSoromoni, navavaki vaHiramu navaGebhari vakaveza matanda namatombo okuvakisa temberi.