13 Kenani aiva baba vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti,
14 vaJebhusi vaAmori, vaGirigashi,
15 vaHivhi, vaAriki, vaSini,
16 vaArivhadhi, vaZemari nevaHamati.
17 Vanakomana vaShemu vaiva: Eramu, Ashua, Arifakadhi, Rudhi naAramu. Vanakomana vaAramu vaiva: Uzi, Huri, Geteri naMesheki.
18 Arifakadhi aiva baba vaShera uye aiva baba vaEbheri.
19 Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri: mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; munun'una wake ainzi Jokitani.