3 Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira.
4 Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi:
5 kubva kuzvizvarwa zvaKohati,Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri;
6 kubva kuzvizvarwa zvaMerari,Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri;
7 kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni,Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu;
8 kubva kuzvizvarwa zvaErizafani,Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri;
9 kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni,Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere;