27 Vanakomana vaRami dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri.
28 Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri.
29 Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.
30 Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.
31 Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.
32 Vanakomana vaJadha, munun'una waShamai vaiva: Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana.
33 Vanakomana vaJonatani vaiva: Pereti naZaza. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvorudzi zvaJerameeri.