19 Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.
20 Hama dzavo vaRevhi vaiva vachengeti vepfuma yomumba yaMwari nepfuma yezvinhu zvakakumikidzwa.
21 Zvizvarwa zvaRadhani, avo vaiva vaGerishoni kubudikidza naRadhani uye vaiva vatungamiri vemhuri dzaRadhani muGerishoni vaiti: Jehieri,
22 vanakomana vaJeheri, Zetami, nomunun'una wake Joere. Vaiva nebasa rokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha.
23 Kubva kuvaAmiramu, vaIzhari, vaHebhuroni navaUzieri:
24 Shubhaeri chizvarwa chaGerishoni mwanakomana waMozisi, ndiye aiva mukuru pakuchengetwa kwepfuma.
25 Hama dzake kubudikidza naEriezeri dzaiva: Rehabhia mwanakomana wake, Jeshaya mwanakomana wake, Joramu mwanakomana wake, Zikiri mwanakomana wake naSheromiti mwanakomana wake.