1 Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Puwa, Jashubhi, naShimironi; vose vaiva vana.
2 Vanakomana vaTora vaiva: Uzi, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibhisami naSamueri, vakuru vedzimba dzavo. Pamazuva okutonga kwaDhavhidhi, zvizvarwa zvaTora zvakaverengwa savarwi munhoroondo yavo zvakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.
3 Mwanakomana waUzi aiva: Izirahia. Vanakomana vaIzirahia vaiva: Mikaeri, Obhadhia, Joere naIshia. Vose vari vashanu vaiva madzishe.
4 Munhoroondo yemhuri yavo, vakanga vaine varume zviuru makumi matatu nezvitanhatu vakanga vakagadzirira kurwa, nokuti vakanga vaine vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.
5 Hama dzavo vakanga vari varume vokurwa vari vedzimba dzose dzaIsakari, sokunyorwa kwazvakanga zvakaita munhoroondo yavo, vose vaisvika zviuru makumi masere nezvinomwe.