19 Asi vanhu vakaramba kuteerera Samueri. Vakati, “Kwete! Tinoda mambo kuti atitonge.
20 Ipapo tichava sedzimwe nyika dzose, tiina mambo anotitungamirira nokutiendera pamberi achitirwira hondo dzedu.”
21 Samueri akati anzwa zvose zvakanga zvataurwa navanhu, akandozvitaura zvakare pamberi paJehovha.
22 Jehovha akapindura achiti, “Vateerere uye uvape mambo.” Ipapo Samueri akati kuvarume veIsraeri, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rake.”