1 Mushure mokufa kwaAhabhu, vaMoabhu vakamukira Israeri.
2 Zvino Ahazia akanga awira pasi napawindo rekamuri reimba yake yapamusoro kuSamaria akakuvara. Saka akatuma nhume akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi, kuti aone kana ndichizopora pakukuvara uku.”
3 Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Kwira kumusoro undosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvamunondobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi?’
4 Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Hauchabva pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’ ” Naizvozvo Eria akaenda.
5 Nhume dzakati dzadzokera kuna mambo, akavabvunza akati, “Madzokereiko?”
6 Ivo vakamupindura vakati, “Mumwe murume akauya akasangana nesu. Zvino akati kwatiri, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mundoti kwaari,’ Zvanzi, naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvaunotuma nhume kundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi? Naizvozvo hauchaburuki pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’ ”