1 Ataria mai vaAhazia vakati vaona kuti mwanakomana wavo akanga afa, vakapfuurira mberi nokuparadza veimba youmambo vose.
2 Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu nehanzvadzi yaAhazia, vakatora Joashi mwanakomana waAhazia ndokumuba kubva pakati pavana voumambo, vakanga vava pedyo nokuurayiwa. Akamuisa muimba yake yokurara nomureri wake achimuvanza kubva pana Ataria; saka haana kuurayiwa.
3 Akagara akavigwa iye nomureri wake mutemberi yaJehovha kwamakore matanhatu, Ataria achiri kutonga nyika.
4 Mugore rechinomwe Jehoyadha akatuma vatungamiri vezvikwata zvezana, navarindi akaita kuti vauyiswe kwaari kutemberi yaJehovha. Akaita sungano navo akavaitisa mhiko mutemberi yaJehovha. Ipapo akavaratidza mwanakomana wamambo.
5 Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Imi muri mumapoka matatu ari kuenda pabasa nomusi weSabata, chetatu chenyu chinofanira kurinda muzinda wamambo,