10 Mugore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo weJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namatanhatu.
11 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite; akarambira mazviri.
12 Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoashi, nezvose zvaakaita, nokubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
13 Jehoashi akazorora namadzibaba ake, Jerobhoamu akamutevera pachigaro choushe. Jehoashi akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri.
14 Zvino Erisha akanga achirwadziwa nedenda iro rakazomuuraya. Jehoashi mambo weIsraeri akaendako kundomuona akachema pamusoro pake akati, “Baba vangu! Ngoro dzaIsraeri navatasvi vamabhiza!”
15 Erisha akati, “Tora uta nemiseve,” iye akaita saizvozvo.
16 Akati kuna mambo weIsraeri, “Tora uta muruoko rwako.” Akati atora uta, Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo.