1 Mugore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo weIsraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo weJudha akatanga kutonga.
2 Akanga ava namakore gumi namatanhatu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Zita ramai vake rainzi Jekoria; vaibva muJerusarema.
3 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Amazia.a13 mamita angaita 180
4 Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko.