16 Naizvozvo muprista Uria akaita sezvaakanga arayirwa naMambo Ahazia.
17 Ipapo mambo Ahazia akabvisa mapuranga omumativi uye akabvisawo madhishi pazvigadziko zvinofambiswa. Akabvisa Gungwa kubva panzombe dzendarira dzairitsigira akarigadzika pahwaro hwedombo.
18 Akabvisa denga reSabata rakanga rambovakwa patemberi uye akabvisa suo ramambo kunze kwetemberi yaJehovha, kuti akudze mambo weAsiria.
19 Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaAhazia, uye zvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
20 Ahazia akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi. Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo.