25 “ ‘Hauna kunzwa here? Ndakazviita kare kare. Mumazuva akare ndakazvironga; zvino ndaita kuti zviitike, kuti wakashandura maguta akakomberedzwa akava murwi wamatombo.
26 Vanhu vawo, vakapedzwa simba, vakavhundutswa uye vakanyadziswa. Vakafanana nembesa dziri muminda, samabukirwa omuriwo mutete akasvibira, souswa huri pamusoro pemba, hwakatsva husati hwakura.
27 “ ‘Asi ndinoziva paunogara, uye kwaunobva nokwaunoenda, uye kuti wakanditsamwira sei.
28 Nokuti wakanditsamwira uye kuzvikudza kwako kwasvika munzeve dzangu, ndichaisa chiredzo changu mumhino dzako, nematomhu angu mumuromo mako, uye ndichakuita kuti udzokere nenzira yawakauya nayo.’
29 “Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, iwe Hezekia: “Gore rino uchadya zvinongomera zvoga, uye mugore rechipiri zvinobva muna izvozvo. Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa, mudyare mizambiringa uye mugodya michero yawo.
30 Uyezve vakasara veimba yaJudha vachadzika midzi pasi vagobereka michero pamusoro.
31 Nokuti muJerusarema muchabuda vakasara, uye muGomo reZioni muchabuda chikwata chavachapunyuka. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.