17 Nokuti zvanzi naJehovha: Hamusi kuzoona mhepo kana mvura, kunyange zvakadaro, mupata uyu uchazadzwa nemvura, uye imi, nemombe dzenyu nedzimwe mhuka dzenyu muchanwamo.
18 Chinhu ichi chakareruka pamberi paJehovha; achaisawo Moabhu kwamuri.
19 Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakakomberedzwa norusvingo uye namaguta ose makuru. Muchatemera pasi muti mumwe nomumwe wakanaka, mugotsindira matsime ose, uye muchakanganisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka.”
20 Chifumi chamangwana, nenguva dzinenge dzokupa chibayiro, tarirai, mvura yakayerera ichibva kwakadziva kuEdhomu! Uye nyika yakazara nemvura.
21 Zvino vaMoabhu vose vakanga vanzwa kuti madzimambo akanga auya kuzorwa navo; saka murume mumwe nomumwe, mudiki nomukuru, aigona kutakura zvombo akadaidzwa uye vakandogariswa kumuganhu.
22 Vakati vachimuka mangwanani vakaona zuva richipenya pamusoro pemvura. KuvaMoabhu vaiva kuno rumwe rutivi, mvura yakanga yakatsvuka seropa.
23 Vakati, “Iropa iro! Madzimambo ayo anenge arwa akaurayana. Zvino imi vaMoabhu endai munopamba!”