9 Saka mambo weIsraeri akaenda namambo weJudha pamwe chete namambo weEdhomu. Mushure mokufamba vachipoterera kwamazuva manomwe, varwi vakapererwa nemvura yavo, neyezvipfuwo zvavaiva nazvo.
10 Mambo weIsraeri akati, “Haiwa! Heya Jehovha atidaidza isu madzimambo matatu pamwe chete kungozotipa hake kuvaMoabhu?”
11 Asi Jehoshafati akamubvunza akati, “Hapana muprofita waJehovha here pano, kuti tibvunze Jehovha nokwaari?” Muranda wamambo weIsraeri akati, “Pana Erisha mwanakomana waShafati. Aisimbosuridzira mvura pamaoko aEria.”
12 Jehoshafati akati, “Shoko raJehovha riri paari.” Saka mambo weIsraeri naJehoshafati namambo weEdhomu vakaburuka vakaenda kwaari.
13 Erisha akati kuna mambo weIsraeri, “Chiiko chandingaita nemi? Endai kuvaprofita vababa venyu navaprofita vamai venyu.” Mambo weIsraeri akapindura akati, “Kwete, nokuti ndiJehovha akatidaidza isu madzimambo matatu tose kuti azotipa kuvaMoabhu.”
14 Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshumira, dai ndanga ndisingaremekedzi Jehoshafati mambo weJudha vari pano, handaimbokutarisai kana kukuonai.
15 Asi zvino uyai nomuridzi worudimbwa kwandiri.” Muridzi worudimbwa paakanga achiridza, ruoko rwaJehovha rwakauya pamusoro paErisha,